We’ve updated our Terms of Use to reflect our new entity name and address. You can review the changes here.
We’ve updated our Terms of Use. You can review the changes here.

Ishe Komborera

from Born Again by Shingirayi

/

lyrics

V1.
1. Ishe komborera, Nkosi sikelela
2. Vana vakuchema Tenzi chimbo fambaneni
3. Kuno Liberia, richiriko soja
4. Vachiri kubhinya, vana vachiponda
5. Muno muZimbabwe, vachirikudoba
6. Madhiri vachitsotsa kuMarange kuba ngoda!
7. Arikudonhera mumugomo vakaboka
8. Hona kuAzania, yakapfura World Cup
9. Madhara akapfuma, but ruzhinji rwakasauka
10. Malema akajumwa na Jacob Zuma
11. Nhasi akutyisa hurumende kunge huma!
12. Usatsike Congo, irikupisa hondo
13. Unofira simbi pamugodhi nemudondo
14. Kumusha nekutaundi, siyana nezvikomba
15. Varere mumakomba nemukondombera
16. Namatayi Mwari, please motikomborera, amen!

Chorus
Ishe komborera nyika yedu, Mambo simudzira nyika yedu yeAfrika - oh yeah!

V2
1. Vakatisunungura, kubva muhuranda
2. Hwevapambefumi, wasaruri weganda
3. Pakapinda squad, team yemabhinya
4. Banda, Mobutu, Amin Babangida
5. Kuita hutsinye hunopfurikidza
6. Bhunu vakatora mukombe wekudzvinyirira!
7. Asi usavimbe ne Europe ne America
8. Aid yavanopa ine agenda!
9. AIDS yavapa mukana wekusimbisa
10. Ufeve pakati pevarume, vanasikana
11. Vachibvisa nhumbu zvemadiro tati kwete
12. Mwari shoko renyu harichinji
13. Imi hamuchinji, munhu ndiye anochinja,
14. Shoko rinopinza sebakatwa reNinja
15. Mabhuku takadhoma, parudo takadhibha
16. Pindayi mavari vatongi veAfrica!
V3
1. Kuchikoro taizama kudzidza ma bhii
2. Nhasi uno degree harina dhiri: MaJeep
3. Nehomwe yakazara Benjamin kubidirira
4. Nzvenga nhamo i“pot hole”, unovira!
5. Se Lagos, Kinshasa, tenga generator
6. Ne tenki yemvura, ne Council usatemba!
7. Zvaishanda kare, nhasi zvaparara
8. Guta rezuva rava tsvina, marara!
9. Bindu raAdam rangova masora!
10. Ibhora rembabvu, maChefu achikora
11. Rapwa neShoko, usachekwe nyora
12. Musiki, murapi, Tenzi, ndiye doctor
13. Mweya Mutsvene haatengwi nedhora!
14. Dzika patiri Mwari simudzira,
15. Vana veAfrica tive nekubudirira
16. Taneta nerima - tipeyi chiedza! Amen

credits

from Born Again, released December 15, 2015

license

all rights reserved

tags

about

Shingirayi Harare, Zimbabwe

Shingirayi (formerly known as Mau Mau) is a Zimbabwean artist who is a believer of Jesus Christ, a hip-hop musician, writer, producer and DJ.

In October 2013, having dropped the name “Mau Mau”, and now performing under his birth name, Shingirayi realeased the single “Ndamutswa” featuring Alvina, which was well-received both on radio and the market, achieving massive airplay across the board
... more

contact / help

Contact Shingirayi

Streaming and
Download help

Report this track or account

Shingirayi recommends:

If you like Shingirayi, you may also like: