We’ve updated our Terms of Use to reflect our new entity name and address. You can review the changes here.
We’ve updated our Terms of Use. You can review the changes here.

Ndinobvuma

from Born Again by Shingirayi

/

lyrics

V1
1. Ndinobvuma, kuti ndine mhosva ndakapara
2. Ndakabvisa mimba yemwana ndakauraya
3. Segwara – ndanga ndisiko kuchipatara
4. Ndaremerwa nemhosva yehopombwe yeruchiva
5. Ndaizvibheka sa Julio Iglesias
6. Apa nderibenzi, mufi saLazarus
7. Blaz wemabhebhi, ndakanga ndiri
8. Tsono pakusticha magero semadhiri!
9. Ndipeiwo nyasha, nguva ndakarasa
10. Vabereki vaindiranga - Mai naBaba ndakatadza
11. Ndaingozvifunga, humbimbindoga
12. Kutyoka kunge nyoka, ndiri high semunhu wefodya
13. But hona – Ishe vangu vakazondidzora
14. Ndinobvuma - rudo rwukuru paneruvengo -
15. Vese vakandititadzira ndaparuregerero
16. Ndasiya – Mwari akati “Ndeyangu tsivo”!

Chorus
Ndikareurura pandinotadza munondiregerera Ishe
Ndikareurura pandinotadza munondigamuchira Mwari

V2
1. Ndinobvuma – ndaitsvagawo mukurumbira
2. Kuti pasi rino rese ritondiwuchira
3. Standing ovation – saMandela
4. Vavengi vangu vagonyatsorwadzwa vaite jealous
5. Ndinobvuma – ini ndaivhima hupfumi
6. Mota nemadheni, maholiday kuBumi
7. Mbatya dzinodhura, bhachi reGucci
8. Ka “lifestyle” kanotapirira – huchi!
9. Asi makandimisa, mukati iwe Shingi
10. Usaise mari pamberi pangu Ini
11. Ndini, Jehovah-Musiki, Ndini muridzi
12. Wezvose-zvaunazvo-ndezvangu-urimuchengeti!
13. Ndinobvuma, dzimwe nguva ndaiita shanje
14. Godo rinoparadza semoto wemashanje
15. Ndinobvuma – ndimi munoponesa vasande
16. Ndimi Jehovah Jireh - Monday kusvika Sunday! Amen



Chorus

V3.

1. Ndinobvuma – kuti ndinotadza pakureva
2. Mazwi akashata achibuda mukanwa
3. Rurimi, moto ruzere nemuchetura
4. Hapana munhu pasirino anorupingudza!
5. Ndinobvuma – kutindaigaro kunyunyuta
6. Seva Isaraeri murenje vaane nzara!
7. Kanandawabhanya, Mwari ndokanganwa
8. Kanazvazo pressa, speed kupfugama
9. Ndinobvuma – kuti everyday ndinorwisa
10. Pfungwa dzehuori, ndibviseyi mabori
11. Ndi nyatsoona nzira yohutsvene
12. Ndinyatso pemberere Mwari ndimukudze!
13. Ini handizvi“bhige” ndakanzi zvininipise
14. Kumbira ruregerero neropa ugezwe!
15. Ndinobvuma – makandirapa Jehovah Rafa
16. Zvandakazvarwa patsva handichatongwi nemhosva! Amen

Chorus
Outro (Adlib)

credits

from Born Again, released December 15, 2015

license

all rights reserved

tags

about

Shingirayi Harare, Zimbabwe

Shingirayi (formerly known as Mau Mau) is a Zimbabwean artist who is a believer of Jesus Christ, a hip-hop musician, writer, producer and DJ.

In October 2013, having dropped the name “Mau Mau”, and now performing under his birth name, Shingirayi realeased the single “Ndamutswa” featuring Alvina, which was well-received both on radio and the market, achieving massive airplay across the board
... more

contact / help

Contact Shingirayi

Streaming and
Download help

Report this track or account

Shingirayi recommends:

If you like Shingirayi, you may also like: