Wakanatswa

from by Shingirayi

/
  • Streaming + Download

    Includes high-quality download in MP3, FLAC and more. Paying supporters also get unlimited streaming via the free Bandcamp app.

      name your price

     

lyrics

V1
1. Aka ka“love letter” kwamuri imi handzvadzi
2. Vanatombi, vasikana nemhandara nana mayi
3. Varimuhofisi, mukoto, kana motokari
4. Wana Miss What-What, mese nana Oprah Winfrey
5. Seyi muchipisa bvudzi nema Dark ‘N Lovely?
6. Soft ‘n Free haisi free i mental slavery!
7. Ndiani akati natural iri “ugly”?
8. Gogo vaizvipisa bvudzi nesimbi nedombo
9. Kukopa weAmerica kare nguva ye Gogo,
10. Black Power Movement ikaunza Afro
11. Kana Michael Jackson anga ainayo!
12. Nhasi makuishora, yabuda mu staiyera
13. Seyi tichikudza zvevarungu, kuzvipisa?
14. Ne sodium-hydroxide, kudira mushonga
15. Bvudzi kuwundurwa sehuku, iwe chengeta
16. Ma braid kana locks, natural ndoyakanaka, inzwa!)

Chorus
Wakanatswa pawakasikwa iwe, zvisiye uri zvauri
Mwari havakanganise, seyi wamushora Ishe?

V2
1. Rinobva temberi yechitendero chema Hindi
2. Kunochekwa bvudzi revasikana wechidiki
3. Richipirwa kuna mwari vavo avanoti Krishna
4. Rogezwa vobvisa inda makwene netsvina
5. Imi mozotenga rakubva America
6. Tanzania, Kenya, Londoni, Nigeria
7. Mu salon inzwa vana medemu vachivhaira:
8. “Weave yangu i hundred per cent human hair!”
9. Ndirorinodhura, kwete mix yesynthetic
10. Maplastic, mawig, kusona carpet mumusoro
11. In any Black city, haishayike storo,
12. Mr Lee, Mr Singh, naMr Adebayo
13. Ndovamunopa mari yenyu svondo nesvondo
14. Kutimuzoshaina muchechi pasvondo
15. Ebony, Sensationelle, matinakisisa
16. Pakaguma Musiki nemi tapapedzesesa, inzwa!
Chorus
V3
1. Panemafuta aizorwa karekare ainzi Ambi-
2. Aibuda muDrum neParade magazine
3. Vachiti ganda rakatsvukuruka runako chairwo
4. Kupfura ganda dema, vakatsvuka mas’ponono
5. Manyepo - asi panevakatopusiswa
6. Vabatwa ne diseazi mutaundi nekumusha
7. Varikuposhera mushonga meso nemuviri -
8. Mune “poison” mugaba, mercury ne hydro quinone
9. “Skin lightening” inokonzeresa cancer
10. Ichipisa ganda-rosara-ranemavara
11. Kana vasikana wekuNollywood vakwara!
12. Kuita sezvipoko, Koffi Olomide
13. Kuchiva maKaradhi, muchiyemura mavheti -
14. “Vanhu vangu vaparadzwa nokushayawo ruziwo”
15. Kuvenga masikirwe awakaitwa naMwari
16. Chokwadi watuka, wamushora iye Tenzi! Inzwa
Chorus
Wakanatswa pawakasikwa iwe, zvisiye uri zvauri
Mwari havakanganise , seyi wamushora Ishe

You ain’t gotta look no other way you’re perfect zvauri
To think that God made you this way pure flawlessness
Uringirozi mwana iwe…

Spoken
Proverbs 31:30
Charm is deceptive, and beauty is fleeting; but a woman who fears the LORD is to be praised.)

1 Peter 3:4
No, your beauty should come from within you -- the beauty of a gentle and quiet spirit that will never be destroyed and is very precious to God.

credits

from Born Again, released December 15, 2015

tags

license

all rights reserved

about

Shingirayi Harare, Zimbabwe

Shingirayi (formerly known as Mau Mau) is a Zimbabwean artist who is a follower of Jesus Christ, a hip-hop musician, filmmaker and entrepreneur.

contact / help

Contact Shingirayi

Streaming and
Download help